Matthew 13:34 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀinhu ɀose Jesu wakaʋudza ʋanhu ʋazhinji nemifananidzo; haana‐kutaura cinhu kwaʋari asiŋgafananidzi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akataura zvinhu izvi zvose kuvanhu nemifananidzo. Haana chaakataura kwavari asingashandisi mifananidzo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akataura zvose izvi kugungano ravanhu nemienzaniso. Hapana zvaaimbovataurira asingashandisi mienzaniso.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvinhu zvose Jesu wakaudza vanhu vazhinji nemifananidzo; haana kutaura chinhu kwavari asingafananidzi;
Shona 2009?
Izvi zvinhu zvose Jesu wakavudza chaunga nemifananidzo, Haana kutaura chinhu kwavari pasina mifananidzo;
Shona SUB 2002 Bible
Zvinhu zvose Jesu wakaudza vanhu vazhinji nemifananidzo; haana kutaura chinhu kwavari asingafananidzi;