Matthew 13:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita, aciti: Ndicashamisa muromo waŋgu nemifananidzo, Ndicataura ɀakaŋga ɀakaʋanzika kubva pakuʋambga kwenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita zvichinzi: “Ndichataura nemifananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika kubva pakusikwa kwenyika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi zvaizadzisa zvakambotaurwa nomuporofita zvokuti, “Ndichazarura muromo wangu ndichitaura nemienzaniso. Ndichadudzira zvakavandika zvapasichigare.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita, achiti, “Ndichataura nemifananidzo, Ndichataura zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika.”
Shona 2009?
kuti zvizadziswe zvakarehwa nomuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakanga zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika.
Shona SUB 2002 Bible
kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita, achiti, “Ndichataura nemifananidzo, Ndichataura zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika.”