Matthew 13:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muʋeŋgi wakakusha ndiye Diaborosi; kuceka ndiko kuguma kwenyika; ʋaceki ndiʋo ʋatumŋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muvengi akaridyara ndiDhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwapasi. Vakohwi ndivo vatumwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muvengi akakusha ndiye Dhiabhori; kucheka ndiko kuguma kwenyika; vacheki ndivo vatumwa vaMwari.
Shona 2009?
Muvengi wakaakusha ndiye Dhiabhorosi; kukohwa ndiko kuguma kwenguva; vakohwi ndivo vatumwa.
Shona SUB 2002 Bible
Muvengi akakusha ndiye Dhiabhori; kucheka ndiko kuguma kwenyika; vacheki ndivo vatumwa vaMwari.