Matthew 13:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mashawi seɀaanoʋuŋganidzwa acipiswa mumŋoto, ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sokuunganidzwa kunoitwa sawi richipiswa nomoto ndizvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino masawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika.
Shona 2009?
Naizvozvo mashawi sezvaanovunganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino masawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika.