Matthew 13:46 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati awana parera rimŋe rinomuteŋgo mukuru, akaenda, akandoteŋgesa ɀose ɀaakaŋga anaɀo, akariteŋga iro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
anoti kana awana pera rimwechete rinokosha kwazvo, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo oritenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati awana pera rimwe rinomutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.
Shona 2009?
akati awana parera* rimwe rinomutengo mukuru, akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga.
Shona SUB 2002 Bible
akati awana pera rimwe rinomutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.