Matthew 13:54 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaȿika kunyika yake, akaʋadzidzisa musinagoge raʋo, nokuɗaro ʋakakatyamara, ʋakati: Munhu uyu wawanepiko kucenjera uku namaɓasa esimba?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapinda muguta rokwake akatanga kudzidzisa vanhu musinagoge ravo, uye vakashamiswa nazvo. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi uchenjeri uhu namasimba ezvishamiso aya?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakasvika kunyika yokwake, akavadzidzisa musinagogu mavo zvokuti vakashamiswa vachiti, “Munhu uyu akawanepi ungwaru uhu nezvishamiso izvi?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akasvika kunyika yake, akavadzidzisa musinagoge ravo, nokudaro vakakatyamara, vakati, “Munhu uyu awanepiko kuchenjera uku namabasa esimba?
Shona 2009?
Akasvika kunyika yake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamiswa vakati: Uyu munhu wakawanepiko kuchenjera uku namabasa esimba?
Shona SUB 2002 Bible
Akasvika kunyika yake, akavadzidzisa musinagoge ravo, nokudaro vakakatyamara, vakati, “Munhu uyu awanepiko kuchenjera uku namabasa esimba?