Matthew 14:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu wakati aɀinzwa, akabva’po negwa, akaenda kurenje ari oga. Ɀino ʋanhu ʋaciɀinzwa, ʋakabva kumaguta, ʋakamuteʋera netsoka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa ari oga akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu paakanzwa izvi, akabva ipapo negwa akaenda kunzvimbo isina vanhu, kwake oga. Voruzhinji rwavanhu pavakazvinzwa vakatevera ikoko netsoka vachibva mumaguta.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati azvinzwa, akabvapo negwa, akaenda kurenje ari oga. Zvino vanhu vachizvinzwa, vakabva kumaguta, vakamutevera netsoka.
Shona 2009?
Jesu wakati a\add zvi\add*nzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kurenje ari oga; zvino vanhu vakati vachinzwa vakabva kumaguta vakamutevera netsoka.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati azvinzwa, akabvapo negwa, akaenda kurenje ari oga. Zvino vanhu vachizvinzwa, vakabva kumaguta, vakamutevera netsoka.