Matthew 14:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino aʋa maɗekwana, ʋadzidzi ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Pano irenje, zuʋa roɗa kuʋira, endisai ʋanhu ʋazhinji, ʋaende kumisha, ʋandoɀiteŋgera ɀokudya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zuva parakanga rava kuda kudoka, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Muno murenje uye kwava kudoka. Dai machiendesa vanhu vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ava madekwana, vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Pano irenje, zuva roda kuvira, endesai vanhu vazhinji, vaende kumisha, vandozvitengera zvokudya.”
Shona 2009?
Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakavuya kwaari vakati: Pano inzvimbo yerenje, nguva dzaenda; regai chaunga chiyende; kuti vaende kumisha vandozvitengera zvokudya.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ava madekwana, vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Pano irenje, zuva roda kuvira, endesai vanhu vazhinji, vaende kumisha, vandozvitengera zvokudya.”