Matthew 14:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyeŋgetera; aʋa maɗekwana wakaŋga ari’po ari oga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakapedza kuonekana negungano riya ravanhu akakwira mugomo ari oga kundonamata. Paakanga ava madeko, akanga arimo ari oga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; ava madekwana akanga aripo ari oga.
Shona 2009?
Zvino wakati aendisa chaunga, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; madekwana akasvika aripo ari oga.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; ava madekwana akanga aripo ari oga.