Matthew 14:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi igwa ɀino rakaŋga raʋa pakati peguŋgwa, ricitambudzika namafuŋgu, nokuti mhepo yakaŋga iciʋadziʋisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi igwa, panguva iyoyo, rakanga rava makiromita akawanda kubva kumahombekombe richiitwa suku nasai namafungu nokuti mhepo yakanga yakanangana navo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi igwa zvino rakanga rava pakati pegungwa, richitambudzika namafungu, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa.
Shona 2009?
Asi chikepe zvino chakanga chava pakati pegungwa chichitambudzika namafungu; nokuti mhepo yakanga ichivarwisa.
Shona SUB 2002 Bible
Asi igwa zvino rakanga rava pakati pegungwa, richitambudzika namafungu, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa.