Matthew 14:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Petro akamupindura, akati: Ishe, kana muri’mi, ndiraire kuti ndiʋuye kwamuri pamsoro pemvura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Pita akati, “Tenzi kana murimi, itii ndiuye kwamuri ndichifambawo pamusoro pemvura.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, kana murimi, ndiraire kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.”
Shona 2009?
Zvino Petro akamupindura akati: Ishe, kana murimwi ndirairei kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, kana murimi, ndiraire kuti ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.”