Matthew 14:35 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarume ʋenɀimbo iyo ʋakamuziʋa, ʋakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza; ʋakaʋuya kwaari naʋose ʋairwara;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume voko pavakamuziva, vakatuma nhume kunharaunda iyoyo yose vakaunza kwaari vose vairwara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varume venzvimbo iyo vakamuziva, vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza; vakauya kwaari navose vairwara;
Shona 2009?
Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva, vakatuma \add shoko\add* panyika yose iyo yakapoteredza, vakavuya kwaari navose vairwara.
Shona SUB 2002 Bible
Varume venzvimbo iyo vakamuziva, vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza; vakauya kwaari navose vairwara;