Matthew 14:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋakakumbira ɀikuru kwaari kuti ʋaɓate cete mupendero weŋguʋo yake; ʋose ʋakaɓata ʋakaporeswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakamukumbirisa kuti vangobatawo mupendero wehanzu yake. Vose vakaibata vakaporeswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate chete mupendero wenguo yake; vose vakabata vakaporeswa.
Shona 2009?
Vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake, vose vakabata vakaporeswa zvirokwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
vakakumbira zvikuru kwaari kuti vabate chete mupendero wenguo yake; vose vakabata vakaporeswa.