Matthew 14:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo akaɀidya mŋoyo, asi nokuɗa kwokupika kwake, ʋuye nokuɗa kwaʋakaŋga ʋagere pakudya, akaraira kuti apiwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo zvakamutambudza mwoyo asi nokuda kwemhiko dzake uye pamusanawo pavaenzi vake akati ngaapiwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo akazvidya mwoyo, asi nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere pakudya, akaraira kuti apiwe.
Shona 2009?
Mambo akashungurudzika, asi nokuda kwemhiko, uye nokuda kwavakanga vagere naye pakudya, akaraira kuti apiwe.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo akazvidya mwoyo, asi nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere pakudya, akaraira kuti apiwe.