Matthew 15:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mumŋoyo munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noʋupombge, nokuɓa, nokupupura nhema, nokumhura Mŋari;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti mumwoyo ndimo munobva pfungwa dzakaipa dzinoti, umhondi noupombwe nokufeva nokuba nokurevera vamwe nhema uye kutaura zvakaipa nezvavamwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noupfeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokushonha Mwari;
Shona 2009?
Nokuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, vumhondi, vufeve, upombwe, kuba, kupupura nhema, nokumhura Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti mumwoyo munobuda mifungo yakaipa, nokuuraya, noupfeve, noupombwe, nokuba, nokupupura nhema, nokushonha Mwari;