Matthew 15:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya ɀimeɗu ɀinoɗonha patafura raʋatenzi ʋadzo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai uya akati, “Hongu zvazvo Tenzi; asi kunyange mbwanana dzinodya tumedu tunodonha pateburu yavatenzi vadzo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Hongu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.”
Shona 2009?
Asi iye akati: Hongu, Ishe, kunyange nembwananavo dzinodya zvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo.
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Hongu, Ishe, kunyangwe nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.”