Matthew 15:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuya kwaari naʋanokamhina, neɀirema, namapofu, nembeʋeʋe, naʋamŋe ʋazhinji, ʋakaʋaisa pamberi paJesu; akaʋaporesa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vanhu vazhinji vakauya kwaari navakaremara, mapofu, mhetamakumbo, mbeveve navamwe vazhinji, vakasvikovaisa patsoka dzake uye akavaporesa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvita zvavanhu zvakawanda zvakauya kwaari. Vakaungana kwaari nemhetamakumbo navakaremara namapofu nembeveve navamwe vakadaro. Vakavaisa patsoka dzake. Iye akavaporesa
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vanhu vazhinji vakauya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu, nembeveve, navamwe vazhinji, vakavaisa pamberi paJesu; akavaporesa.
Shona 2009?
Zvino chaunga chikuru chikavuya kwaari nemhetamakumbo, namapofu nembeveve nezvirema, navamwe vazhinji vakakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vanhu vazhinji vakauya kwaari navanokamhina, nezvirema, namapofu, nembeveve, navamwe vazhinji, vakavaisa pamberi paJesu; akavaporesa.