Matthew 15:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jesu wakaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati: Ndinetsits inaʋanhu ʋazhinji aʋa, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya; handiɗi kuʋaendisa ʋanenzara, ɀimŋe ʋaŋgaziya panzira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, “Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akadaidza vadzidzi vake akati, “Ndine urombo kwazvo negungano ravanhu iri nokuti vanga vaneni kwamazuva matatu aya zvino havachisina chokudya. Handide kuvaendesa nenzara vangadaro vakaziya panzira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndine tsitsi navanhu vazhinji ava, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya; handidi kuvaendesa vane nzara, zvimwe vangaziya panzira.”
Shona 2009?
Zvino Jesu wakadana vadzidzi vake akati: Ndinetsitsi nechaunga, nokuti vakagara neni mazuva matatu, vasina chavakadya; handingavaindisi vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndine tsitsi navanhu vazhinji ava, nokuti atova mazuva matatu avakagara neni vasina zvavangadya; handidi kuvaendesa vane nzara, zvimwe vangaziya panzira.”