Matthew 15:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Ticawanepiko murenje ɀiŋgwa ɀakawanda ɀakaɗaro, kuti tigutise ʋanhu ʋazhinji ʋakaɗai?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadzidzi vake vakapindura vachiti, “Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vadzidzi vakamubvunza kuti, “Tingawane kupi chingwa chinokwana kugutsa gungano guru ravanhu rakadai murenje muno?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vadzidzi vakati kwaari, “Tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro, kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai?”
Shona 2009?
Vadzidzi vake vakati kwaari: Ticha\add wane\add*piko zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chakadai?
Shona SUB 2002 Bible
Vadzidzi vakati kwaari, “Tichawanepiko murenje zvingwa zvakawanda zvakadaro, kuti tigutise vanhu vazhinji vakadai?”