Matthew 15:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi imi munoti: Aninani unoti kunaɓaɓa ʋake kana mai ʋake: Cinhu cipi necipi camaiti munoɓatsirwa naco kwandiri, caʋa cipo kunaMŋari,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imi munoti, kana munhu akataurira baba vake kana amai vake achiti, ‘Zvandakanga ndichigona kuzokubatsirai nazvo ndazvipira kuna Mwari, haazosungirwa kuremekedza baba vake.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi imi munoti, ani naani anoti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri, chava chipo kuna Mwari,’
Shona 2009?
Asi imwi munoti: Aninani unoti kuna baba kana mai: Chipi nechipi chamungabatsirwa neni chibayiro,
Shona SUB 2002 Bible
Asi imi munoti, ani naani anoti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri, chava chipo kuna Mwari,’