Matthew 16:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akapindura, akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar‐Jona, nokuti nyama neropa haɀinakukuziʋisa iɀoɀo, asi Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akamupindurawo achiti, “Zvako wakakomborerwa Simoni mwanakomana waJona, nokuti haasi munhu ane nyama neropa akakuzivisa izvi asi Baba vangu vari kudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akapindura, akati kwaari, “Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bharijona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vangu vari kudenga.
Shona 2009?
Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simoni mwanakomana waJona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzarurira \add izvozvo\add*, asi Baba vangu vari kudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akapindura, akati kwaari, “Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bhari–Jona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vangu vari kudenga.