Matthew 16:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kubva paŋguʋa iyo Jesu wakataŋga kuratidza ʋadzidzi ʋake, kuti unofanira kuenda Jerusarema, kundotambudzwa ɀizhinji naʋakuru naʋaprista ʋakuru naʋanyori, nokuʋurawa, nokumutswa ɀe nezuʋa retatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kubva panguva iyoyo Jesu akatanga kutsanangurira vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema kundotambudzwa zvizhinji pamaoko avakuru navaprista vakuru navadzidzisi vemirayiro uye kuti anofanira kuurayiwa nokumutswazve pazuva retatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubvira nguva iyoyo Jesu akatangisa kuratidza vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusaremu achindotambudzika zvikuru zvichibva kuvakuru vakuru navapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo ozouraiwa achizomutswa nezuva retatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kubva panguva iyo Jesu akatanga kuzivisa vadzidzi vake, kuti anofanira kuenda Jerusaremu, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurawa, nokumutswazve nezuva retatu.
Shona 2009?
Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza vadzidzi vake kuti unofanira kuenda sei Jerusarema, uye kutambudzwa zvizhinji navakuru, navaprista vakuru navanyori, nokuvurawa nokumutswazve nezuva retatu.
Shona SUB 2002 Bible
Kubva panguva iyo Jesu akatanga kuzivisa vadzidzi vake, kuti anofanira kuenda Jerusaremu, kundotambudzwa zvizhinji navakuru navapristi vakuru navanyori, nokuurayiwa, nokumutswazve nezuva retatu.