Matthew 16:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi wakatendeʋuka, akati kunaPetro: Ibva shure kwaŋgu, Satani! Uri cigumbuso kwandiri, nokuti hauraŋgariri ɀinhu ɀaMŋari, asi ɀinhu ɀaʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akatendeukira kwaari akati, “Enda shure kwangu Satani! Uri chigumburiso kwandiri nokuti hauna zvinhu zvaMwari mupfungwa dzako asi zvavanhu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akatendeuka akati kuna Pita, “Ndibvirepo, Satani! Uri chipinganidzo, nokuti hausiri kudivi kwaMwari, asi kudivi kwavanhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi wakatendeuka, akati kuna Petirosi, “Ndibvirepo Satani! Uri chigumburiso kwandiri, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”
Shona 2009?
Asi wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Asi wakatendeuka, akati kuna Petirosi, “Ndibvirepo Satani! Uri chigumburiso kwandiri, nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvavanhu.”