Matthew 16:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti munhu ucaɓatsirweiko kana awana nyika yose, akarashikirwa noʋupenyu bgake? Kana munhu ucaripeiko kuti adzikinure ʋupenyu bgake?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvapasi pose, iye achirasikirwa noupenyu hwake. Kana kuti angabvisei chokutsinhanisa noupenyu hwake?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti munhu achabatsirwa neiko kana awana nyika yose, akarasikirwa noupenyu hwake? Kana munhu acharipeiko kuti adzikinure hupenyu hwake?
Shona 2009?
Nokuti munhu unomubairo weiko kana akawana nyika yose, akarashikirwa nomweya wake? kana munhu ucharipeiko kuti adzikunure mweya wake?
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti munhu achabatsirwa neiko kana awana nyika yose, akarasikirwa noupenyu hwake? Kana munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake?