Matthew 16:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Mŋanakomana womunhu ucaʋuya naʋatumŋa ʋake nokubginya kwaƂaɓa ʋake; ipapo ucaripira mumŋe nomumŋe paakaɓata napo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Mwanakomana woMunhu achauya ari mukubwinya kwaBaba vake aine vatumwa vake ipapo achapa mubayiro kuno mumwe nomumwe maererano namabasa ake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti Mwanakomana womunhu achauya navatumwa vake mumbiri yaBaba vake achizopa munhu nomunhu mubayiro wezvaakaita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Mwanakomana womunhu achauya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake; ipapo acharipira mumwe nomumwe paakashanda napo.
Shona 2009?
Nokuti Mwanakomana womunhu uchavuya nokubwinya kwaBaba vake navatumwa vake, ipapo uchapa mubairo mumwe nomumwe zvichienderana namabasa ake.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Mwanakomana womunhu achauya navatumwa vake nokubwinya kwaBaba vake; ipapo acharipira mumwe nomumwe paakashanda napo.