Matthew 16:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Maŋgwana munoti: Nhasi kucaȿiɓa, nokuti ɗeŋga rakatȿuka, ricifiɗuka. Munoziʋa kuɗudzira ɀinoʋonekwa muɗeŋga, asi hamugoni kuɗudzira ɀiratidzo ɀeŋguʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchanaya mvura ine dutu nokuti denga rakatsvuka uye kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kumangwanani munoti, ‘Nhasi kuchaita dutu nokuti denga rakatsvuka uye riri kutozezesa.’ Munoziva kutsanangura zvinoreva kutarisika kunenge kwakaita kunze, asi hamukwanisi kutsanangura zvinoreva zviratidzo zvenguva dzino.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchasviba, nokuti denga rakatsvuka, richifiduka. Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.
Shona 2009?
Mangwanani \add munoti\add*: Nhasi kunze kwakaipa; nokuti denga rakatsvuka richikwidibira. Haiwa vanyengeri, munoziva kuparadzanisa mamiriro edenga, asi hamugoni \add kuparadzanisa\add* zviratidzo zvenguva.
Shona SUB 2002 Bible
Mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchasviba, nokuti denga rakatsvuka, richifiduka. Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.