Matthew 17:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatoȿika, asi haʋana‐kumuziʋa; asi ʋakamuitira paʋakaɗa napo. Saiɀoɀo ʋo Mŋanakomana womunhu ucabva wotambudzwa naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndinokuudzai kuti Eria akatouya kare asi havana kumuziva, uye vakaita kwaari zvavaida. Saizvozvo Mwanakomana woMunhu achatambudzwa pamaoko avo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ndinokutaurirai kuti Eriya akatouya nechekare; asi havana kumuziva. Vakaita paari madiro avo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achatambudzika ari mumaoko avo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndinoti kwamuri, “Eria akatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achabva otambudzwa navo.”
Shona 2009?
Asi ndinotaura kwamuri kuti Eria wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira chipi nechipi chavakada; saizvozvovo Mwanakomana womunhu uchabva wotambudzwa navo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ndinoti kwamuri, “Eriya akatosvika, asi havana kumuziva; asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu achabva otambudzwa navo.”