Matthew 17:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋacafamba muGarirea, Jesu akatikwaʋari: Mŋanakomana womunhu ucabva woiswa mumaʋoko aʋanhu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vaungana muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achaiswa mumaoko avanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanga vari pamwechete muGarirea Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vachafamba muGariria, Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achabva oiswa mumaoko avanhu;
Shona 2009?
Zvino vachigara muGariri, Jesu akati kwavari: Mwanakomana womunhu wobva wokumikidzwa mumavoko avanhu,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vachafamba muGareriya, Jesu akati kwavari, “Mwanakomana womunhu achabva oiswa mumaoko avanhu;