Matthew 17:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Hoŋo. Ɀino wakati acipinda mumba, Jesu akataŋga kutaura kwaari, aciti: Simoni, unofuŋgeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunaʋananiko? Kuʋanakomana ʋaʋo kana kuʋaeni?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapindura akati, “Hongu, anoripa.” Petro paakapinda mumba, Jesu ndiye akatanga kutaura achiti, “Unofungei, Simoni? Madzimambo enyika anotora mutero kuvana vavo here kana kuti kuna vamwe?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye akati, “Hongu.” Paakadzoka kumba, Jesu ndiye akatanga kutaura kwaari achiti, “Unofunga kuti kudii Simoni? Ndavapi vanobvisiswa mutero nomuripo namadzimambo panyika? Vana vavo here kana kuti vamwe zvavo?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Hongu.” Zvino akati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti, “Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavanaaniko? Kuvana vavo kana kuvatorwa?”
Shona 2009?
Akati: Hongu. Zvino wakati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti: Unofungeiko Simoni? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunavana aniko? Kuvanakomana vavo kana kuvaeni?
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Hongu.” Zvino akati achipinda mumba, Jesu akatanga kutaura kwaari, achiti, “Simoni, unofungeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kuna vanaaniko? Kuvana vavo kana kuvatorwa?”