Matthew 17:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi, kuti tirege kuʋagumbusa, enda kuguŋgwa, ukande ciredzo, uɓate hoʋe inotaŋga kuɓuɗa; kana washamisa muromo wayo, ucawana stateri; uritore, uʋape iro, kuripira iwe neni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kuti tisavagumbura enda kugungwa unokanda chiredzo chako mumvura. Tora hove yaunotanga kubata, wovhura muromo wayo, uchawana muine mari inokwana mutero wangu newako, uvape.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kuti tirege kuvagumbura enda kugungwa undokandamo chirauro utore hove yokutanga inenge yabatwa. Paunozarura muromo wayo uchawana shekeri. Ritore undobhadharira ini newe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi, kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa, ukande chiredzo, ubate hove inotanga kudyira; kana washamisa muromo wayo, uchawana sitaterimo; uritore, uvape kuripira ini newe.”
Shona 2009?
Asi, kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa ukande chiredzo; ubate hove inotanga kubuda; kana washamisa muromo wayo, uchawana mari; uitore, uvape iyo, ive yangu neyako.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi, kuti tirege kuvagumbusa, enda kugungwa, ukande chiredzo, ubate hove inotanga kudyira; kana washamisa muromo wayo, uchawana sitaterimo; uritore, uvape kuripira ini newe.”