Matthew 17:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati acataura naʋo, tarira, gore rinobginya rikaʋafukidza; inzwi rikabʋa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira, mumunzwei.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achiri kutaura kudaro, gore raipenya rakabva ravakwidibira inzwi rikabuda mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinodisa, anondifadza. Munzwei!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achiri kutaura kudaro, hero gore rinopenya rakavafukidza; izwi rakabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye, zvikuru, munzwei.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati achataura navo, tarira, gore rinobwinya rikavafukidza; izwi rikabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu mudiwa, wandinofarira, mumunzwei.”
Shona 2009?
Wakati achataura, tarira, gore rinobwinya rakavafukidza; zvino tarirazve inzwi rikabva mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodikamwa, unondifadza kwazvo mumunzwei.
Shona SUB 2002 Bible
Akati achataura navo, tarira, gore rinobwinya rikavafukidza; izwi rikabva mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, wandinofarira, mumunzwei.”