Matthew 18:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana asiŋgaʋanzwi, uʋudze ʋuŋgano; kana asiŋganzwi ʋo ʋuŋgano, ŋgaaʋe kwauri somuheɗeni nomuFarise.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana akaramba kuteerera, uudze kereke, kana akaramba kuteerera kunyange kereke, umutore zvako somuhedheni kana muteresi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana akaramba kuvateerera, pira nyaya iyoyo kusangano. Kana akaramba kuteerera kunyange sangano, mutorei somuhedheni nomuteresi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarisi.
Shona 2009?
Kana asina hanya nokuanzwa, uvudze kereke; kana asina hanya nokunzwa kereke, ngaave kwauri somuhedheni nomuteresi.
Shona SUB 2002 Bible
Kana asingavanzwi, uudze ungano; kana asinganzwiwo ungano, ngaave kwauri somuhedheni nomuFarisi.