Matthew 18:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaari: Handiti kwauri, kuȿikira kanomŋe; asi kuȿikira makumi manomŋe anoʋereŋgwa kanomŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akapindura akati, “Kwete kanomwe chete, asi kakapetwa makumi manomwe ane nomwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwaari, “Handikuti kanomwe asi makumi manomwe akapetwa kanomwe.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwaari, “Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe.
Shona 2009?
Jesu akati kwaari: Handiti kwauri kusvikira kanomwe, asi kusvikira makumi manomwe; akapamhidzirwa kanomwe.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwaari, “Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe.