Matthew 18:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa nomumŋe mambo, wakaŋga aciɗa kugadzira maŋgaʋa naʋaranda ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo, umambo hwokudenga hwakafanana namambo aida kuripirwa zvikwereti zvake navaranda vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saizvozvo umambo hwedenga hungafananidzwe namambo akanga achida kupedzerana navaranda vake vaiva nezvikwereti naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka ushe hwedenga hungafanana nomumwe mambo, akanga achida kugadzira mangava navaranda vake.
Shona 2009?
Naizvozvo ushe hwokudenga hwunofananidzwa nomumwe mambo, wakanga achida kuongorora varanda vake.
Shona SUB 2002 Bible
Saka ushe hwedenga hungafanana nomumwe mambo, akanga achida kugadzira mangava navaranda vake.