Matthew 18:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acitaŋga kugadzira, mumŋe wakaŋga anecikwerete camatarenta aneɀuru ɀamazana ɀinegumi akaiswa kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paakatanga kuzviongorora, murume ainge aine chikwereti chamatarenda zviuru gumia akauyiswa kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakatangisa kutaura nezvezvikwereti izvozvo, pakauiswa mumwe kwaari akanga aine chikwereti naye chegumi rezviuru zvemari yamatarenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achitanga kugadzira, mumwe akanga anechikwerete chamatarenda ane zviuru zvamazana zvine gumi akaiswa kwaari.
Shona 2009?
Zvino wakati achitanga kuongorora, mumwe akavuyiswa kwaari wakanga anechikwereti chamatarenda* anezvuru zvamazana zvinegumi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achitanga kugadzira, mumwe akanga ane chikwereti chamatarenda ane zviuru zvamazana zvine gumi akaiswa kwaari.