Matthew 18:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi wakati acishaiwa caaŋgaripa naco, ishe wake akaraira kuti ateŋgeswe, iye nomukadzi naʋana, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, kuti cikwerete ciripxe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvo ainge asingakwanisi kuripa chikwereti ichi, tenzi wake akaronga kuti iye nomudzimai wake, navana vake nezvose zvaaiva nazvo zvitengeswe kuti zviripe chikwereti.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuda kokuti akanga asingakwanisi kubhadhara, tenzi wake akati ngaatengeswe pamwechete nomudzimai wake navana nezvose zvaaiva nazvo kuti chikwereti chiripwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi akati achishayiwa chaangaripa nacho, ishe wake akarayira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwerete chigoripwa
Shona 2009?
Asi wakati achishaiwa chaangaripa nacho, ishe wake akaraira kuti atengeswe nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti muripo uitwe.
Shona SUB 2002 Bible
Asi akati achishayiwa chaangaripa nacho, ishe wake akarayira kuti atengeswe, iye nomukadzi navana, nezvose zvaakanga anazvo, kuti chikwereti chigoripwa