Matthew 18:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muranda akawira pasi, akamunamata, akati: Ishe, iʋai nomŋoyo murefu neni, ndicazokuripirai ɀose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Muranda uya akazviwisira pamberi patenzi wake akamukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitireiwo mwoyo murefu, ndicharipa hangu zvose.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nezvo muranda uya akagwadama pasi achimuteterera achiti, “Tenzi ndiitireiwo mwoyo murefu. Ndichakudzorerai zvose zvazvo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino muranda akawira pasi, akakumbira, akati, ‘Ishe, ivai nomwoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.’
Shona 2009?
Naizvozvo muranda akawira pasi, akamunamata, akati: Ishe, ivai nomoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muranda akawira pasi, akakumbira, akati, ‘Ishe, ivai nomwoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.’