Matthew 18:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi muranda uyo wakati aciɓuɗa, akawana mumŋe muranda waiɓata pamŋe cete naye, wakaŋga anecikwerete kwaari camadenari anezana; akamuɓata, akamudzipa, akati: Ripa cikwerete cako!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi muranda uya paakabuda, akasangana nomumwewo muranda saiye ainge aine chikwereti chake chamadhenari zana. Akamubata ndokutanga kumudzipa. Akati, ‘Ndipe chikwereti changu!’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi muranda mumwecheteyo paakanga avakubuda, akasangana nomumwe mushandi pamwe naye, akanga ane chikwereti kwaari chezana remari yamadhenari. Akabva amuti dzvi pahuro, achiti, “Ndibhadhare chikwereti changu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Asi muranda uyo akati achibuda, akawana mumwe muranda waishanda pamwechete naye, akanga ane chikwerete kwaari chamadhenari ane zana; akamubata, akamudzipa, akati, ‘Ripa chikwerete changu!’
Shona 2009?
Asi muranda uyo wakati achibuda, akawana mumwe muranda \add waibata\add* pamwe chete naye, wakanga anechikwereti kwaari chamadhenari* anezana; akamubata, aka\add mu\add*dzipa, akati: Ndiripe chikwereti changu.
Shona SUB 2002 Bible
“Asi muranda uyo akati achibuda, akawana mumwe muranda waishanda pamwechete naye, akanga ane chikwereti kwaari chamadhinari ane zana; akamubata, akamudzipa, akati, ‘Ripa chikwereti changu!’