Matthew 18:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muranda uyo waiɓata pamŋe cete naye, akawira pasi, akakumbira ɀikuru kwaari, akati: Uʋe nomŋoyo murefu neni, ndicazokuripira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Muranda uya saiye akapfugama ndokumukumbira zvikuru achiti, ‘Ndiitirewo mwoyo murefu, ndichakupa chikwereti chako.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe muranda uya mumwe wake akati pasi gwadagwa achimuteterera achiti, “Ingondiitirawo mwoyo murefu ndinokudzorera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino muranda uyo aishanda pamwechete naye, akawira pasi, akakumbira zvikuru kwaari, akati, ‘Uve nomwoyo murefu neni, ndichazokuripira.’
Shona 2009?
Zvino muranda uyo waibata pamwe chete naye akawira pasi patsoka dzake akakumbira zvikuru kwaari, akati: Uve nomoyo murefu neni, ndichazokuripira zvose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muranda uyo aishanda pamwechete naye, akawira pasi, akakumbira zvikuru kwaari, akati, ‘Uve nomwoyo murefu neni, ndichazokuripira.’