Matthew 18:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kana musiŋgashanduki, mukaʋa saʋana ʋaɗuku, hamuŋgatoŋgopindi muʋushe bgokuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
akati, “Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri kana mukasapinduka muchiva savana vaduku hamumbopinda muumambo hwedenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana musingasanduki, mukava savana vaduku, hamungatongopindi muushe hwedenga.
Shona 2009?
Akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashanduki mukava savana vaduku, hamungatongopindi muushe hwokudenga.
Shona SUB 2002 Bible
akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kana musingasanduki, mukava savana vaduku, hamungatongopindi muushe hwedenga.