Matthew 18:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nyika inenhamo nemhaka yeɀigumbuso! Nokuti ɀigumbuso ɀinofanira kuʋuya haɀo; asi unenhamo munhu uyo unogumbusa ʋamŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ine nhamo nyika nokuda kwezvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze! Zvinhu izvozvo zvinofanira kuuya asi ane nhamo munhu anoita kuti zviitike.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhamo ndeyayo nyika pamusana pekufurira kwainoita! Kufuririka kunototi kuitike asi nhamo ndeyake munhu uyo anoita kuti vamwe vafuririke.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nyika ine nhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuuya hazvo; asi anenhamo munhu uyo anogumbusa vamwe.
Shona 2009?
Inenhamo nyika, nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvinofanira kuti zvigumbuso zviuye hazvo; asi une nhamo munhu uyo unovuya nezvigumbuso!
Shona SUB 2002 Bible
“Nyika ine nhamo nemhaka yezvigumbuso! Nokuti zvigumbuso zvinofanira kuuya hazvo; asi anenhamo munhu uyo anogumbusa vamwe.