Matthew 19:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ŋgomŋa dziri’po, dzakaɓerekwa dzakaɗaro kubva muɗumbu ramai; ŋgomŋa dziri’po, dzakaitwa ŋgomŋa naʋanhu; ŋgomŋa dziri’po dzakaɀiita ŋgomŋa nokuɗa kwoʋushe bgokuɗeŋga. Uŋgagamucira shoko iri, ŋgaarigamucire.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti kune ngomwa dzakaberekwa dzakadaro; dzimwe dziriko dzakaitwa navanhu; dzimwe dzakazviita ngomwa nokuda kwoumambo hwokudenga. Uyo anogona kugamuchira shoko iri ngaarigamuchire.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti kune vamwe vanoita utsvimborume kubvira chiberekerwo chavo. Vamwe vanoitiswa tsvimborume navanhu. Navamwewo vanosarudza kuva tsvimborume pamusana poumambo hwedenga. Uyo anokwanisa kugashira izvi ngaazvigashire.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ngomwa dziripo, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; ngomwa dziripo, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda kwoushe hwedenga. Angagamuchira shoko iri, ngaarigamuchire.”
Shona 2009?
Nokuti dziripo ngomwa, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; uye kune ngomwa, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda koushe hwokudenga. Unogona kugamuchira \add shoko iri\add*, ngaagamuchire.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ngomwa dziripo, dzakaberekwa dzakadaro kubva mudumbu ramai; ngomwa dziripo, dzakaitwa ngomwa navanhu; ngomwa dziripo dzakazviita ngomwa nokuda kwoushe hwedenga. Angagamuchira shoko iri, ngaarigamuchire.”