Matthew 19:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakaʋuya naʋana ʋaɗuku kwaari, kuti aise maʋoko pamsoro paʋo, aʋanyeŋgeterere; ʋadzidzi ʋakaʋaraira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vana vaduku vakauyiswa kuna Jesu kuti aise maoko ake pamusoro pavo, uye kuti avanyengeterere. Asi vadzidzi vakatsiura vaya vakanga vauya navo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino vamwe vanhu vakauisa vana kuna Jesu kuti aise maoko ake pavari achivanamatira. Vadzidzi vakarambidza vanhu ivavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti aise maoko pamusoro pavo, avanyengeterere; vadzidzi vakavadzivisa.
Shona 2009?
Zvino vakavuya kwaari navana vaduku, kuti aise mavoko pavari, anyengetere; asi vadzidzi vakavatsiura.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti aise maoko pamusoro pavo, avanyengeterere; vadzidzi vakavadzivisa.