Matthew 19:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jesu wakati kwaʋari: Regai ʋana ʋaɗuku, musaʋadziʋisa kuʋuya kwandiri; nokuti ʋushe bgokuɗeŋga ndobgaʋakaɗai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hokudenga ndehwevakaita saivava.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jesu akati kwavari, “Regai vana vaduku, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekudenga ndohwavakadai.”
Shona 2009?
Asi Jesu wakati: Tenderai vana vaduku, musavadzivisa kuvuya kwandiri; nokuti ushe hwokudenga ndohwavakadai.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jesu akati kwavari, “Regai vana vaduku, musavadzivisa kuuya kwandiri; nokuti ushe hwekudenga ndohwavakadai.”