Matthew 19:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarira, mumŋe munhu wakaʋuya kwaari, akati: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaita cinhu cakanaka cipi, kuti ndiʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe murume akauya kwaari achiti, “Mudzidzisi chii chakanaka chandingaite kuti ndiwane upenyu husingaperi?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarira, mumwe akauya kwaari, akati, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?”
Shona 2009?
Zvino tarira, mumwe wakavuya akati kwaari: Mudzidzisi wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipiko, kuti ndive noupenyu hwusingaperi?
Shona SUB 2002 Bible
Tarira, mumwe akauya kwaari, akati, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaita chinhu chakanaka chipi, kuti ndive noupenyu husingaperi?”