Matthew 19:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaari: Kana uciɗa kukwana, enda uteŋgese ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, ugoʋa nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya unditeʋere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwaari, “Kana uchida kuva munhu akaruramisisa, enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga, ugouya wonditevera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwaari, “Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere.”
Shona 2009?
Jesu akati kwaari: Kana uchida kukwana, enda utengese zvaunazvo, upe varombo, ugova nefuma kudenga; ugovuya unditevere.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwaari, “Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nepfuma kudenga; ugouya unditevere.”