Matthew 19:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kuʋadzidzi ʋake: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Ɀinoremera mufumi kupinda muʋushe bgokuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kuna vadzidzi vake, “Zvechokwadi ndinoti kwamuri, ‘Zvichaoma zvikuru kuti mupfumi apinde muumambo hwedenga.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvinoremera mupfumi kupinda muushe hwedenga.
Shona 2009?
Jesu akati kuvadzidzi vake: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Mufumi ucharemerwa kupinda muushe hwokudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, zvinoremera mupfumi kupinda muushe hwedenga.