Matthew 19:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, imi makanditeʋera pakuɓerekwa kutȿa, kana Mŋanakomana womunhu acizogara pacigaro coʋushe cokubginya kwake, imi ʋo mucagara paɀigaro ɀinegumi neɀiʋiri, mucitoŋga marudzi anegumi namaʋiri aʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti pakuvandudzwa kwezvinhu zvose, Mwanakomana woMunhu paachagara pachigaro chake chokubwinya, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga marudzi gumi namaviri eIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Pakumutsurudzwa kwezvinhu patsva, Mwanakomana womunhu paanenge ogara pachigaro chake chembiri, imi makanditevera muchagarawo pazvigaro gumi nezviviri muchitonga madzinza gumi namaviri eIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, imi makanditevera pakuberekwa kutsva, kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imiwo muchagara pazvigaro zvine gumi nezviviri, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.
Shona 2009?
Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Imwi makanditevera, pakuberekwa kutsva kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imwivo muchagara pazvigaro zvinegumi nezviviri, muchitonga marudzi anegumi namaviri aIsraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, imi makanditevera pakuberekwa kutsva, kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chokubwinya kwake, imiwo muchagara pazvigaro zvine gumi nezviviri, muchitonga marudzi ane gumi namaviri aVaIsiraeri.