Matthew 19:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mumŋe nomumŋe wakasiya dzimba, kana ʋanuŋuna, kana hanɀadzi, kana ɓaɓa, kana mai, kana mukadzi, kana ʋana, kana minda, nokuɗa kwezita raŋgu, ucapiwa ɀinezana, akagara nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vose vakasiya dzimba, kana vakoma kana vanun'una kana hanzvadzi kana baba kana mai kana vana kana minda nokuda kwangu vachagamuchira zvakapetwa kazana, uye vachagara nhaka youpenyu husingaperi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu wose akasiya dzimba kana vakoma navanun'una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda pamusana pezita rangu, achagamuchira zvakapetwa kazana uye achizowana upenyu husingaperi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mumwe nomumwe akasiya dzimba, kana vakoma kana vanun'una, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvinezana, akagara nhaka yohupenyu husingaperi.
Shona 2009?
Uye mumwe nomumwe wakasiya dzimba, kana vanun'una namadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvinezana, akagara nhaka youpenyu hwusingaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Mumwe nomumwe akasiya dzimba, kana vakoma kana vanun'una, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nokuda kwezita rangu, uchapiwa zvine zana, akagara nhaka youpenyu husingaperi.