Matthew 19:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaFarise ʋakaʋuya kwaari, ʋakamuidza, ʋaciti: Ko munhu unotenderwa kurasha mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe vaFarisi vakauya kwaari kuzomuedza. Vakamubvunza vachiti, “Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi wake nokuda kwechikonzero chipi nechipi zvacho?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino vamwe vaFarisei vakauya kwaari. Vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinobvumirwa here kuramba mukadzi wako pamusana pechikonzero chipi nechipi zvacho?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaFarisi vakauya kwaari, vakamuedza, vachiti, “Ko munhu anotenderwa kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?”
Shona 2009?
VaFarisi vakavuyavo kwaari, vakamuidza, vachiti kwaari: Ko munhu unotenderwa kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?
Shona SUB 2002 Bible
VaFarisi vakauya kwaari, vakamuedza, vachiti, “Ko munhu anotenderwa kuramba mukadzi wake nemhaka ipi neipi here?”